Cde Kerina: Masoja nemaCIO, Nguva Yasvika
Dambudzo rapinda muZimbabwe ndiMnangagwa. Munhu iyeyu inyoka. Kutomuti inyoka kutuka nyoka nokuti kuipa kwemwoyo wake kwakaipa kupfuura kwenyoka inoruma chaisingadye. Zvimwe zvezvinhu zvinoratidza kuipa kwemunhu uyu ndezvizvi.
- Mnangagwa akasvika paari apa nokuti varipo vakamununura nguva nenguva. Paakasungwa aita nuisance muchitima, akanunurwa naWalter Kamba uyo aive lawyer. Hapana musi mumwechete watakambonzwa Mnangagwa achitenda Walter Kamba. Nyika yakatozoudzwa naMugabe kuti Kamba ndiye aive mununuri waMnangagwa.
- Pakasungwa nekuvharirwa Mnangagwa, aive asina chikoro chaaive aenda chaisvika kure. Fay Chung akatiudza kuti Mnangagwa akadziidziswa naMugabe pavaive vakavharirwa. Kusvika nhasi uno, hapana musi waakabvira ataura kuti mudziidzisi wake aive Mugabe.
- Mnangagwa haana kuzoenda kuhondo paakaburitswa muhusungwa. Akaenda kunogara kumusha kwake kuMumbwa kwaive kwatamisirwa mhuri yake nevarungu panguva yeSouthern Rhodesia. Mugabe ndiye akazomukoka kuMozambique mugore ra1977, mushure memakore anosvika 4 abuda muhusungwa. Mugabe akakoka Mnangagwa kuti aite personal bodyguard nokuti Mugabe aive asingadiwe nevarwi vehondo. Vaiti Mugabe aive zizi revarungu raive riri muzumbu rehuku. Kana Mugabe akapanduka panguva yaive akavharirwa, ko Mnangagwa wacho aisavewo mupanduki here? Mnangagwa ane history yekupandukira vamwe.
- Kana Mnangagwa akaenda kuMoza muna 1977, hondo yacho akairwira kupi uye nguvai? Tinoona kunyepa kwake paanozviti aive weCrocodile Gang. Varwi ava vaive MaNdau. Mnangagwa MuVhitori. Mazita evarwi ava anozivikanwa. Vaive Victor Mlambo, Amos Kademaunga, James Dhlamini naMaster Tresha Mazwani, vachitungamirirwa naWilliam Ndangana. Mnangagwa aive asipo apa asi akazvirova dundundu achizviti igamba rehondo. Hondo ipi yaakarwa?
- Mnangagwa haazive chakarwirwa hondo. Vakarwa hondo kuti vatore ivhu redu rakatorwa muna-1890 pakauya varungu. Panguva yeLand Apportionment Act, vakuru vedu vakaburitswa misodzi ikaerera pamatama zvaive zvisati zvakamboonekwa. Vaive vodzingwa mumisha yavo umo maive mune makuva ehama nevakuru vavo. Ndizvo zvakarwadza vanhu vedu kusvika vaenda kuhondo. Nhasi Mnangagwa atanga huroi hwakafanana nehwakaitwa naGodfrey Huggins achishandisa Land Apportionment Act. Mnangagwa ane shave rehuroi hwaHuggins rakamugara here? Kana anaro, nokuti huroi hwaatanga haungasiiwe huchipedza nyika kunge pandemic.
- Nyaya yekukosha kwevhu haina kukosha kuna Mnangagwa. Mhuri yake yakaendeswa kuNorthern Rhodesia ikanopihwa minda nevarungu. Mnangagwa haana kumboona nhamo yeminda kana yekuchereswa makandiwa. Mhuri yake, uye dzimwe mhuri 90 thousand dzakapihwa minda kuZambia vakatofarira varungu kusvika nanhasi. Ndokusaka akaudza vanhu kuti varungu veMidlands aiva chengetedza. Paakaita coup yake, akatoungana nevarungu vakanwa tea vachipemberera kuparadzwa kweZimbabwe. Petina Gappah akabuda paFacebook achiti: “we have been waiting for this since 1980.” Gappah akatomboita advisor waMnangagwa mushure mokutaura mashoko aya. Legacy yaitwa restore haisi yevana vevhu asi kuti yevarungu vano namatwa naMnangagwa vakaita saCatriona Laing nana Nicholas Soames.
- Mnangagwa haana matyira kana nyadzi. Hapana chaanotya kana chaanoremekedza. Musi uno akaenda kunoedza kushinha kuGreat Zimbabwe. Akano chohwa-chohwa ikoko akadzoka akatota sehuku yaniwa. Nyika yese inoera kunge paGreat Zimbabwe. Inguva chete iye nemhuri yake nembavha dzake vasati vachohwa-chohwa. Varungu chaivo vaiti havabvire, havana kubvira? Mugabe aiti haatangike,ari kupi?
- Mnangagwa akapandukira Mugabe uyo waaigara achirumbidza uye kurovera vanhu. Ana Shiri,SB Moyo, Mugwisi, nevamwe vakuru vemauto vakamupa simba nhasi uno vave zvuru. Nguva ichasvika yekunyatsotsvaga akavaponda. Nyaya yacho haiperere ipapo. Inotodzokera shure kusvika kupondwa kwaChitepo kuZambia kumusha kwaMnangagwa.
- Masoja nemaCIO, nguva yasvika yekuti muzvibvunze kuti murikuchengetedza nyika yeZimbabwe here kana kuti mhandu huru yenyika nevana veZimbabwe.
Related
#Masoja #nemaCIO #Nguva #Yasvika #ZimEye