Find Content

Zvidudzirachiito nezviratidzanguva

Zvidudzirachiito nezviratidzanguva

Chidudzirachiito

Izwi rinotsanangura chiito sokuti anodya senguruve. Zvidudzirachiito zvinopindura mibvunzo yakasiyana siyana sokuti chaitwa sei? chaitwa nani? chaitwa zvakadii? chaitwa riini? Chaitwa kupi?

Mhando dzeChidudzirachiito

  • Chidudzirachiito chefanano: izwi rinoratidza kufanana pakuita chinhu eg, Rudo anofamba samai vake.
  • Chidudzirachiito chenguva: Izwi rinoratidza nguva yakaitika chinhu sokuti: akaenda kuHarare nezuro
  • Chidudzira chiito cheudzamu: Chinoratidza udzamu hwechinhu sokuti: mvura yanaya zvikuru.
  • Chidudzirachiito chemaitiro: Chinoratidza kuti chinhu chakaitwa sei sokuti: Akarohwa zvisingaite.
  • Chidudzirachiito chewadzano: Chinoreva kuva pamwe kwezvinhu zvakasiyana pakuita chinhu zvichireva mushandira pamwe eg: vakomana vakatsvaira nevasikana.
  • Chidudzirachiito chenzvimbo: Chinoratidza nzvimbo yakaitika zvakaitika eg: akatongerwa padare.
  • Chidudzirachiito chechombo: Chinoreva chombo kana chinhu chakashandiswa pakuita zvakaitwa sokuti: akarohwa netsvimbo.
  • Chidudzirachiito chemuiti: Chinoreva munhu akaita chinhu sokuti:Asungwa nemapurisa.

Zviratidzanguva

Mavara anoratidza nguva dzakasiyana siyana eg past tense, present tense, past participle.

Mhando dzezviratidzanguva

  • Chiratidzanguva chezvakaitika kare: chinoshandisa chivakazwi -ka-
  • Chiratidzanguva chezvinogaroitika: Chinoshandisa chivakazwi -no-
  • Chiratidzanguva chezvichaitika: Chinoshandisa chivakazwi -cha- eg achauya mangwana.
  • Chiratidzanguva chezvaigaroitka: Chinoshandisa chivakazwi -i-
  • Chiratidzanguva chezvabvamukuitika: Chinoshandisa chivakazwi -a-

By: T.Titus Nyakudyara
Twitter: @NyakudyaraTitus

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *