2006 – MIBVUNZO
- Verenga zvirevo zvinotevera wozopindura mibvunzo iri mushure mazvo.
i) Tipei tudoro utwu timboti dzvutei.
ii) Vakomana vakangoti jo jo kandima kadiki ndokubva vakanda mapadza pasi.
iii) Ndangoti musuva mumwe idye mwoyo wangu uchibva wamira.
iv) Akati zibepa bhedhenu ndokubva meso asanganidzana nechuma
chemuhuro chakati mburetete.
v) Musoro wasekuru wachena kuti mbu-u.
vi) Jongwe rakazvirova richibva rati kukurigo-o.
vii) Akasiya musuwo wakangoti haradada achienda kutsime.
viii) Runhare parwakangoti ngirirrr akabva aruti nonge.
a) Nyora nyaudzosingwi dzose dzinowanikwa muzvirevo zviri pamusoro. (10)
b) Doma mhando yeimwe neimwe yenyaudzosingwi dzawawana mu-
(a). (10) [20] - Verenga zvirevo zvinotevera wozopindura mibvunzo iri shure kwazvo.
i) Banga rokuchekesa nyama ratorwa.
ii) Baba vanoda kutenga mombe yekurimisa.
iii) Inwa maheu echimera, unoguta!
iv) Vasikana vemafaro vakasungwa nemapurisa.
v) Akadya gaba redovi rese.
vi) Vanofarira kubikira mupoto yesimbi.
vii) Mishonga yechembere inovava zvikuru.
viii) Vanogara kwaMurehwa nemwana wavo mukuru.
ix) Tsika dzevanhu vekuchamhembe dzinodadisa.
x) Ndiro yedhaka yaputsika.
a) Nyora ndevo dzezvirevamwene (possessive phrases) dzose dziri
muzvirevo zviri pamusoro. (10)
b) Doma mhandonyana (sub-types) dzeimwe neimwe yendevo dzezvirevamwene dzawawana pa(a). (10) [20]
- “Zviumbwa zvezvizita (substantival constructions) zvinowanikwa muzviumbwa zvezviito (verbal constructions) nezvenyaudzosingwi (ideophonic constructions).” Tsanangura uchitsigira zvizere pfungwa idzi. [20]
Nyatsoongorora zvirevo zvinotevera wozopindura mibvunzo iri mumashure mazvo. - i) Mazuva ano handichavateereri.
- ii) Chembere dzekwedu dzinogona kutambira vaeni.
- iii) Sekuru vakandituma Harare nechitupa chavo changove mamvemve.
- iv) Torera muzukuru mwana wake nezvese zvaakatengerwa namai vake.
- v) Mambo ngavatiregererewo zvitadzo zvedu.
- vi) Vana vepano havadadiri vashanyi vese vanouya.
- vii) Marimwezuro takadya nemuriwo wechemberedzagumhana.
- viii) Sekai anotamba bhora zvinonwisa mvura.
- a) Nyora zviitwa (predicates) chete zvinowanikwa mundevobonga
- dzezviito (verbal clauses) dziri pamusoro. Ita izvi uchipatsanura
- zviwedzerwa (inflections) kubva kundevo dzezviito (verb phrases)
- (8)
- b) Doma nhengo (immediate constituents) dzinoumba ndevo yechiito imwe neimwe yawanyora mu(a). (12) [20]
2006 – MHINDURO
3 Kunyurura nyaudzosingwi kubva muzvirevo zvakapiwa nokudoma
mhando yeimwe neimwe.
| a) NYAUDZOSINGWI | b) MHANDO YENYAUDZOSINGWI |
| i) dzvutei | Yakabva kumudzi wechiito |
| ii) jo jo | Yakadzokororwa |
| iii) idye | Yakabva kumudzi wechiito |
| iv) bhedhenu | Yepfumvunuro/ nhendeshure |
| >mburetete | Yakadzokororwa vara rokupedzisira |
| v) mbu-u | Ine chivakazwi chimwe chete/ isingadzokororwi |
| vi) kukurigo-o | Yemuririro wechinhu (jongwe) |
| vii) haradada | Yakadzokororwa vara rokupedzisira |
| viii) ngirirrr | Yemuririro wechinhu (nhare) |
| >nonge | Yakabva kumudzi wechiito |
kudoma mhando yenyaudzosingwi yoga yoga 10 x 1 mark >> (10) [20]
4 Kunyurura ndevo dzezvirevamwene nekudoma mhando yeimwe neimwe
| a) NDEVO DZEZVIREVAMWENE | b) MHANDO YENDEVO |
| i) rokuchekesa nyama | basa rechinhu |
| ii) yekurimisa | basa rechinhu |
| iii) echimera | mhando/ rudzi rwechinhu |
| iv) vemafaro | unhu/ tsika dzechinhu |
| v) redovi (rese) | panogara chinhu |
| vi) yesimbi | chakagadzirisa chinhu |
| vii) yechembere | muridzi/ mwene wechinhu |
| viii) kwaMurehwa | nzvimbo yechinhu |
| >wavo (mukuru) | muridzi/ mwene wechinhu |
| ix) dzevanhu vekuchamhembe x) yedhaka | muridzi/ mwene wechinhu chakagadzirisa chinhu |
mark mhando yendevo imwe neimwe x 10 >>>>>> (10) [20]
5 Kutaridza kuti zviumbwa zvezvizita zvinowanikwa muzviumbwa zvezviito nezvenyaudzosingwi
a) Dzitsi rechipauro rinowanikwa mumidzi yezviito skt, -tete-p-; -nyorovb) Mazita anowanikwa mumidzi yezviito skt, -shamwari-dz-; -rema-rc) Ndevo dzezvizita dzinoshanda sezadzisandevo mundevo dzezviito skt, –
pind- mumba make; -gar- padanda gobvu
d) Ndevo dzezvizita dzinoshanda sezadzisandevo mundevo dzenyaudzosingwi skt, pindikiti mumba make; pweshe pamumvuri wepamba
e) Ndevo dzezvizita dzine chiwedzerwa chedudzirachiito (ndevo dzedudzirachiito) dzinoshanda setsigisandevo mundevo dzezviito skt, -biksadza nenyama yenungu
f) Ndevo dzedudzirachiito dzinoshanda setsigisandevo mundevo dzenyaudzosingwi skt, nyondo pasi nemuromo
Mark allocation 2 marks mashandisirwo, 2 marks muenzaniso x any 5
points [20]
6a) Kunyora zviitwa zvendevobonga dzezviito zvakapatsanurwa zviwedzerwa nendevo dzezviito.
| Zviwedzerwa | Ndevo yechiito |
| i) ha-ndi-cha-i | -va-teerer- mazuva ano. |
| ii) dzi-no-a | -gon- kutambira vaeni. |
| iii) va-ka-a | -ndi-tum- Harare nechitupa chavo changove mamvemve. |
| iv) –a | Torer- muzukuru mwana wake nezvese zvaakatengerwa namai vake. |
| v) nga-va-e | -ti-regerer-wo zvitadzo zvedu. |
| vi) ha-va-i | -dadir- vashanyi vese vanouya |
| vii) ta-ka-a | -dy- nemuriwo wechemberedzagumhana. |
| viii) a-no-a | -tamb- bhora zvinonwisa mvura. |
6b) Kudoma nhengo dzinoumba ndevo yechiito imwe neimwe iri mu(a).
| Chiratidzamuitirwi | Mudzi wechiito | Zadzisandevo | Tsigisandevo |
| i) -va- | -teerer- | mazuva ano | |
| ii) __ | -gon- | kutambira vaeni | |
| iii) -ndi- | -tum- | Harare | nechitupa chavo changove mamvemve |
| iv) __ | Torer- | muzukuru, mwana wake nezvese zvaakatengerwa naamai vake | |
| v) -ti- | -regerer- | -wo, zvitadzo zvedu | |
| vi) __ | -dadir- | vashanyi vese vanouya | |
| vii) __ | -dy- | marimwezuro | nemuriwo wechemberedzagumhana |
| viii) __ | -tamb- | bhora, zvinonwisa mvura |
(vii) and (viii) 2 marks each >>>>>>>>>>>>>>>>>>>>(8) [20]
Leave a Reply