
Chidudzirachiito
Izwi rinotsanangura chiito sokuti anodya senguruve. Zvidudzirachiito zvinopindura mibvunzo yakasiyana siyana sokuti chaitwa sei? chaitwa nani? chaitwa zvakadii? chaitwa riini? Chaitwa kupi?
Mhando dzeChidudzirachiito
- Chidudzirachiito chefanano: izwi rinoratidza kufanana pakuita chinhu eg, Rudo anofamba samai vake.
- Chidudzirachiito chenguva: Izwi rinoratidza nguva yakaitika chinhu sokuti: akaenda kuHarare nezuro
- Chidudzira chiito cheudzamu: Chinoratidza udzamu hwechinhu sokuti: mvura yanaya zvikuru.
- Chidudzirachiito chemaitiro: Chinoratidza kuti chinhu chakaitwa sei sokuti: Akarohwa zvisingaite.
- Chidudzirachiito chewadzano: Chinoreva kuva pamwe kwezvinhu zvakasiyana pakuita chinhu zvichireva mushandira pamwe eg: vakomana vakatsvaira nevasikana.
- Chidudzirachiito chenzvimbo: Chinoratidza nzvimbo yakaitika zvakaitika eg: akatongerwa padare.
- Chidudzirachiito chechombo: Chinoreva chombo kana chinhu chakashandiswa pakuita zvakaitwa sokuti: akarohwa netsvimbo.
- Chidudzirachiito chemuiti: Chinoreva munhu akaita chinhu sokuti:Asungwa nemapurisa.
Zviratidzanguva
Mavara anoratidza nguva dzakasiyana siyana eg past tense, present tense, past participle.
Mhando dzezviratidzanguva
- Chiratidzanguva chezvakaitika kare: chinoshandisa chivakazwi -ka-
- Chiratidzanguva chezvinogaroitika: Chinoshandisa chivakazwi -no-
- Chiratidzanguva chezvichaitika: Chinoshandisa chivakazwi -cha- eg achauya mangwana.
- Chiratidzanguva chezvaigaroitka: Chinoshandisa chivakazwi -i-
- Chiratidzanguva chezvabvamukuitika: Chinoshandisa chivakazwi -a-
By: T.Titus Nyakudyara
Twitter: @NyakudyaraTitus
Leave a Reply