Mhuri: Mhuri chii?
Iboka revanhu vane hukama hunovaunza pamwe chete
Mhuri Muchinyakare
Chivanhu chedu chaikoshesa kuvapo kwababa, amai nevana kuti panzi pave nemhuri. Hayaitorwa semhuri kana paishaikwa mwana saka paiyedzwa zvakasiyana-siyana kuti pave nevana zvaigona kusanganisira kupindira kana kupiwa chigadzamapfihwa kuti pave nevana.
Vana vaikosheswa chose nekuti vaiti hapana dzinza raikura kana paishaikwa vana.
Mukomana ainzi ndiye aitakura zita redzinza achiriendesa mberi. Saka mwanakomana aifanirwa kuwanikwa mumhuri. Ndicho chimwe chezvikonzero zvaiita kuti pave nemaparika.
Vanasikana vainzi ndavana mandipfumisa. Kana kwaiita nzara zvaive nyore kuwana kune vaiva nazvo kana mwanasikana aivepo. Kuwanda kwevanasikana kwaiva kuwandawo kwepfuma yaitarisirwa kupinda mumusha kana vana ava vaizoroorwa.
Kuroorana kwaitaura mavambo emhuri. Mhuri yaitarisirwa kuonekwa apa yaifanirwa kusanganisira baba, amai nevana. Hazvireve kuti dzimwe mhando dzemhuri dzaisavepo, asi kuti chivanhu chedu hachaikoshesa dzimwe mhando dzemhuri nekuti dzaitorwa sedzakaperevedza dzisina kuzara. Ndicho chikonzero chaiita kuti pakosheswe nyaya dzekugara nhaka kuti mhuri dzinzi dzine vabereki vose vakakwana.
Chizvinozvino chakauya nekusandura zvinhu. Dzimwewo mhando dzemhuri dzose
dzaisakosheswa semhuri dzave kukosheswawo. Idzi dzinosanganisira dziri pazasi;
Mhando Dzemhuri
a) Mhuri ina baba amai nevana
Iyi imhuri ine vabereki vose vaviri nevana vari pasi pavo vachigara pamusha mumwe chete semhuri.
b) Mhuri ine vabereki chete
Iyi imhuri ine vabereki chete vasina vana nekuda kwezvikonzero. Inogona kuve sarudzo yavo yokusaita vana sezvaveko mazuva ano kana kuti mwana ashaikwa nekushaya mbereko kana kufirwa nevana.
c) Mhuri yemubereki umwe nevana
Mubereki anogona kuve umwe nevana. Izvi zvinogona kubva mukurambana kana kuti kufirwa kana kuti inogona kuve imwe yesarudzo dzave kutorwa nevechimanjemanje vanoona sokuti kuita roodzi kunovhiringa mafaro avo kana kuti kunovavhiringira pfuma dzavo dzavanenge vaita. Saka ava vanongotsvaka vokungoita navo vana asi pasina roodzi vachigara kwavo ivowo vachigara nevana vavo.
d) Mhuri dzakabatana kuumba imwe
Iyi imhuri inoumbwa nemurume nemukadzi vane vana vavo kubva kune mamwe maroodzi avaimbove. Zvino umwe neumwe anenge auya achizvuva sanzu rake, vobatanidza mhuri dzavo kuumba mhuri imwe chete.
e) Mhuri ine vana chete
Mhuri dzakadai dzawanda mazuva ano. Vana vanogona kuita mhuri vari voga nekuda kwezvikonzero zvinosanganisira kufirwa nevabereki vosara vave nherera kana kusiiwa voga vabereki vaenda kunoshava mhiri sezvatandira munyika yedu yeZimbabwe.
f) Mhuri dzevana vanochengetwa
Idzi imhuri dzevana vaye vanotorwa vochengetwa munzvimbo dzakagadzirirwa kurerera nekukudzira vana ivavo. Mumisha iyi mune vakuru vanoita basa rekuchengeta vana ivavo sevabereki vavo.
g) Mhuri ina baba, amai, vana uye dzimwe hama
Iyi imhuri yakati kurei inosanganisira dzimwewo hama. Iyi ndiyo mhuri yakagara ichikosheswa kana tava kutaura zvoukama hwedu hweChiVanhu. PaChiVanhu chedu tinokoshesa kuva nehama dzakawanda kuti munhu ararame zvakanaka. Hama idzi dzinotarisirwa kubatsira kana paita dambudziko rinoda vabatsiri. Hama idzi dzinobata divi rababa vako rose neraamai vako. Saka mhuri inogona kuve nababa, amai, vana vavo uyewo dzimwe hama kubva kumativi atataura aya.
h) Mhuri yebarika
Iyi imhuri ina baba nevakadzi nevana. Chivanhu chedu chinotendera kuti murume aite vakadzi vanodarika umwe kana achizvida hake. Izvi zvinobva zvatipa mhuri dzemhando yebarika.
Kukosha Kwemhuri
Mhuri ndidzo dzinotiumba kuti tive vanhu vakakwanira kusangana nehupenyu. Dzinotiumba nezvinhu zvatingaisa muzvikwata zvitatu zvinoita kuti tive vanhu vanokwanisa kugara mumhuri nekugarawo munharaunda nevamwe zvakanaka;
1) Zvinobatika
Mhuri dzedu dzakatikoshera nekuti dzinotishavira zvose zvinobatika zvatinoda muupenyu hwedu kuti huendeke. Izvi zvinosanganisira mbatya, zvokudya, nepekugara nezvimwe zvinobatika zvatingade.
2) Zvemagariro edu nevamwe
Mhuri dzedu dzine basa rekutiumba kuti tive vanhu vakakwanira kugara nevamwe zvakanaka. Izvi zvinobudirira kana munhu akave nematauriro akanaka, magariro akanaka nevamwe uyewo kugona kuzvisarudzira. Saka ibasa remhuri kutidzidzisa matauriro kuti magariro edu nevamwe ange akanaka mumhuri kana munharaunda.
3) Zvemanzwiro
Mhuri dzedu dzinogadzirisa divi remanzwiro edu nokutiumbawo kuve vanhu vanoyemurika. Izvi zvinobata-bata mukati medu matisingagoni kubata kana kuona. Mukati medu kana kuti matinoti mumwoyo kana kuti muhana medu mune chekuita nemanzwiro atinoita akasiyana-siyana sokunzwa rudo, kunzwa kugutsikana kana kunzwa kufara. Izvi munhu anozvinzwa kwete nenzeve asi kuti maari. Mhuri dzedu dzinobatsira kutiumba mune izvi nezvatinoona nekudzidza kubva kuvabereki vedu sokuti tinodzidza kuitirana rudo kubva pane zvinenge zvichiitika mumhuri medu.
Zvakakoshera Vakuru Mumhuri
Vakuru mumhuri vanogona kuva baba naamai, vanasekuru navanambuya kana vanatete, vanamainini, vanababamunini, babamukuru, mukoma, hanzvadzi, tete kana vamwewo vanochengeta nekutiriritira vadiki.
- Ndivo vanobereka vana.
- Vanhu vakuru vanoriritira vadiki. Ava ndivo vanotsvagira mhuri zvinobatika zvingadiwe kuti upenyu hwemhuri yose huyendeke zvinosanganisira pokugara, zvipfeko nezvokudya.
- Ava vanofanirwawo kudzidzisa vadiki kuti vave negwara rakanaka roupenyu.
- Ndivozve vanofanirwa kugadzira mitemo yezvinofanirwa kutevedzwa pamusha kuti pagarike zvakanaka.
- Vanofanirwa kuona kuti umwe neumwe wevadiki pamusha ipapo atevedza mitemo yavakatara.
- Kana mitemo yatyorwa vanofanirwa kuisa zvirango zvinoita kuti vatyori vemitemo vasazoityora zvakare.
- Ndivo mucherechedzo weraramo kuvadiki vane basa rekuturira raramirwo yehupenyu yakanaka kuvadiki vari mumhuri.
Zvakakoshera Vadiki Nevamwe Vose Mumhuri
Chikwata ichi chine vanhu vanosanganisira vana mumhuri iyoyo kana dzimwewo hama dzinouya kuzogara mumhuri dzedu.
Ava vanotarisirwa;
- Kucherechedza mitemo yakatarwa mumhuri dzavanenge vauya kuzogara nadzo.
- Vanotarisirwawo kuita mabasa epamba anosanganisira kuchengeta vacheche kana vabereki vavo vaenda kumabasa, kudiridza mapindu, kugeza michovha, kutsvaira dzimba nekusuka ndiro nemamwewo mabasa avangagone kuita kurerutsira vakuru vavanogara navo.
- Ndivo vanotakura chisveru chekuenda mberi nedzinza/ mhuri saka vanofanirwa kudzidza mararamiro akanaka kubva kuvakuru.