Ndevo Dzezvizita
Kana zvizita zvakasiyana – siyana zvikabatanidzwa zvinoumba chiumbwa chiri pamusoro pedanho rezvizita chiumbwa ichi ndicho ndevo dzezvizita .
Maumbirwo e ndevo dzezvizita
+/-Chidudzirazita + chizitasimboti +/- chi (zvi-) dudzirazita zvine wirirano nechizitasimboti.
Sokuti : mwana + mudiki
Vamwe +baba + vatsvuku avo
Chizitasimboti
Ichi rinenge riri zita kana chisazitasingwi chete. Zviviri izvi zvakakosha chose pakuvapo kwendevo yechizita zvekutoti chimwe chazvo kana zvose zvinomanikidzwa kuti zvivepo kuti ndevo yechizita imire.Zita kana chisazitasingwi ndizvo zvinoshanda sechizitasimboti sezvizvi;
Gudo guruIro guru NB:Hakuna chidudzirazita chinoshanda sechizitasimboti
Latest Comments