Shona

Zvidudziramazita

Mazwi anotsanangura zita, anodoma zita sezvariri, anotiudza zvakawanda pamusoro wezita ririkutaurwa nezvaro. sokuti munhu wose ridza mhururu.

Zvandinofanirwa kuziva

  • kutsanangura zvinoreva chidudziramazita chacho.

  • Maumbirwo.

  • Kugona kunyurura chidudziramazita chega kune zvimwe.

  • Kupa muenzaniso.

Mhando dzezvidudziramazita

1.Chipauro

  • Izwi rinotsaura zita ririkutaurwa nezvaro richiburitsa ruvara kana mhumhu wechinhu chirikutaurwa nezvacho.Sokuti musikana mupfupi akapfeka zvakanaka.Chipauro chinoshandisa chivakashure chimwechete nezita rachiri kutsanangura sokuti- rurefu- ru-+-refu.
  • Zvipauro zvinoenderana nemipanda yemazita sokuti mupanda 1- mu , 2- va, 3-mu (up to 21)

2.Zviratidzi

  • Izwi rinotiudza nzvimbo ine chinhu kana zita ririkutaurwa zita ririkutaurwa nezvaro sokuti- Vana avo vanonetsa. Motokari iyi ndinoidawo.

2a. Zviratidzi zvepedyo

  • Izwi rinonongedza nzvimbo iri pedyo nemutauri sokuti Mukomana uyu arikunyora.
  • Chiratidzi chepedyo chinoenderana neizwi rachinotaura.
  • Maumbirwo: chitsigisi-+-chiratidzamupanda [Mupanda 1- u-+-yu] [Mupanda 2- a-+-va]

2b. Zviratidzi zvekure

  • Izwi rinonongedza zvimbo iri kure nemutauri sokuti Brian uyo
  • Maumbirwo: chitsigisi + chiratidzamupanda + nzvovera o sokuti- uyo u-+-y-+-o.

3. Chisarudzi/Chinan'anuri

  • Izwi rinotsaura chinhu chirikutaurwa nezvacho sokuti chikoro chipi chakashata.
  • -no – anoreva chinhu nezvacho chiri pedyo.
  • -pi mubvunzo wekubvunza.
  • -ye Chisarudzi chinoenderana nezita rachinotsanangura.
  • Maumbirwo: Chivakashure chechisarudzi + dzitsi rechisarudzi sokuti chipi- chi-+-pi. [Mupanda 1] u, uno, uye, upi [Mupanda 2] va- [Mupanda 3] u-

4.Chiverengo

  • Izwi rinopa pfungwa yekuverenga kana nhamba sokuti Chikoro chimwe chakashata.
  • Chiverengo chinoenderana nezita rachinotsanangura
  • Maumbirwo: Chivakashure chechiverengo + dzitsi rechiverengo sokuti Chimwe- chi-+-mwe.

5.Chirevauwandu

  • Izwi rinotsanangura nezve uzhinji kana uwandu kana ushoma sokuti mombe dzose
  • Chirevauwandu chine madzitsi matatu – -ga, -se(chindau- -she), -mene (chikorekore- -gani)

6.Chirevamwene

  • Izwi rinorstidza muridzi wechinhu sokuti Shangu dzamuzvare inhema.
  • Maumbirwo: Chiwedzerwa chechirevamwene + vara rinoshanduka + dzitsi rechirevamwene. eg dzamuzvare- dz-+-a-+Muzvare. yeZimbabwe- y-+-e-+-Zimbabwe.

Zviwedzerwa zvezvirevamwene

  • [mupanda 1] w-
  • [mupanda 2] v-
  • [mupanda 3] w-
  • [mupanda 4] y-
  • [mupanda 5 r-]
  • [mupanda 6] a-
  • [mupanda 7 ] ch-
  • [mupanda 8 zv-]
  • [mupanda 9]y-
  • [mupanda 10]dz-
  • [mupanda 11] rw-
  • [mupanda 12] k-
  • [mupanda 13]tw-
  • [mupanda 14]hw-
  • [mupanda 15] kw-
  • [mupanda 16] p-
  • [mupanda 17] kw-
  • [mupanda 18] m-
  • [mupanda 19]sv-
  • [mupanda 21] r-
  • Zita- dzaMuzvare.
  • Chipauro- Chemudiki.
  • Chirevamwene- rwekwavo
  • Chirevauwandu- evose
  • Chiratidzi- keuyo
  • Chisarudzi – twevapi
  • Chiverengo- twemumwe.
  • Chidudziramuiti – yevanoputa.
  • Chisazitasingwi – Changu.

Mabasa ezvirevamwene

  • Zvinoradzidza muridzi wechinhu sokuti rababa
  • Zvinoratidza basa rechinhu sokuti mari yebhazi
  • Zvinoratidza mhando yechinhu sokuti rekachasu
  • Zvinoratidza unhu kana tsika sokuti rekusvuta
  • Zvakagadziriswa sokuti Chingwa chekoroi
  • Nguva sokuti yechimurenga
  • Ruvara sokuti rwechichena.
  • Nzvimbo sokuti KwaMurewa

7. Zvidudziramuiti

  • Izwi rakabva kuchiito rinoshanda sekududzira zita , rokuti rinotsaura kana kupa rupau kuzita riri kutaurwa nezvaro sokuti Gomana rekuputa radzingwa.
  • Maumbirwo: chidudziramuitirwi + chidudziramuiti + chiratidzanguva + mudzi wechiito + nzvovera yekupedzisira sokuti- rakaputa—(ra)-chidudziramuitirwi. (ka)-chiratidzanguva. (put)- mudzi wechiito. (a)- nzvovera yekupedzisira.

8.Zvindori/Nhanganuro

  • Zvindori zvirevo zvine pfungwa yakazara uye zvirevo zvisina chiito. sokuti ndibaba.
  • Maumbirwo: Chiwedzerwa chechindori + dzitsi rechindori eg ndibaba – ndi-+-baba

Zviwedzerwa zvezvindori

  • Ndi- chinoshanda nemazita ose anotevera… zvisazitasingwi sokuti ndisu(ndi-+-isu= ndisu), chiwedzerwa chechindori ndi- chine nhoredzera nda- anobatana nemazita emupanda 2a sokuti ndaAmbuya, nda- anobatanazve nezviverengo sokuti: ndavamwe.nda- anobatana nezvisarudzi sokuti: ndavapi. dzimwe nhoredzera ndi nde-, ndo-.
  • i- chinobatana nemazita nezvipauro zvemupanda 5,9,10 sokuti ibhuku, idombo.
  • (H) hwidzazwi/ high tone – chinobatana nemazita emupanda 1-8,11-21.sokuti mukomana(uchikwidza izwi pana “mu”

9. Chiito

  • Izwi rinoratidza kuita kana kuitwa kwechinhu sokuti : famba.
  • Maumbirwo: Mudzi wechiito + nzvovera yekupedzisira sokuti: famb-+-a.

Zvivakashure zvechiito

  • eg ndakamurova- nda-(chiratidzamuiti), ka-(chiratidzanguva), mu-(chiratidzamuitirwi).

Zvivakamberi zvechiito

  • Nzvovera yekupedzisira ne rebeso sokuti: ndakamuroverera- (-erer-) i rebeso, (-a) ndiyo nzvovera yokupedzisira.

Mhando dzezviito

  • Zviito zvakatorwa kubva kune mimwe mitauro sokuti: dhiraivh- (from english word driver)
  • Zvakaumbwa kubva kune mamwe mazwi echishona sokuti: svetuk- (kubva ku nyaudzosingwi : svetu)

10.Rebeso

  • inoratidza kuitwa kwechinhu ichiburitsa maitikiro.

Mhando dzerebeso

  1. yemherevedzo
    • inoreva kuita zvinhu nemoyo wose sokuti: sekerera (-erer)
    • yewadzano
    • Inoreva kuitwa kwechinhu pamwe nevanhu vakawanda sokuti: vaungana (-ung- an-)
  2. yedzokororo
    • Kudzokorora zvamboitwa sokuti: dyaririra (-irir-) -oror- etc..
    • yepfumvunuro
    • Kupfumvunura kana kuti nhendeshure sokuti : namanura(-anur) etc
  3. yemamiriro
    • inoreva mamiriro akaita zvinhu sokuti: akakombama(-am-) etc
  4. yekuitwa
    • chirikuitwa chichiitirwa chimwe chinhu sokuti: sadza radyiwa nembwa (-iw-)

By: T.Titus Nyakudyara
Twitter: @NyakudyaraTitus

T.Titus

Recent Posts

Sadza Recipe

Sadza is a simple, hearty dish that forms the backbone of many Zimbabwean meals. It's…

3 months ago

Caesar Salad

Caesar Salad A classic Caesar salad is a simple yet flavorful dish with crisp romaine…

3 months ago

Primary Level Past Exam Papers

Zimsec and Cambridge past exam papers free download pdfs on eduzim

5 months ago

A Level Past Exam Papers

Zimsec and Cambridge past exam papers free download pdfs on eduzim

5 months ago

O Level Past Exam Papers – Zimsec

Zimsec and Cambridge past exam papers free download pdfs on eduzim

5 months ago

Pacific – A Level Physics – Convection and Radiation

Pacific – A Level Physics – Convection and Radiation pdf download

5 months ago