2005 – MIBVUNZO

  1. Donongodza mashandisirwo ezviwedzerwa zvezvindori (copulative inflections) uchitsigira nemienzaniso yakakodzera. [20]
  2. Verenga zvirevo zvinotevera wozopindura mibvunzo iri shure kwazvo.

i) Ndaizivei akaruma Marujata nzeve pavakarwira Kurimahufamba.
ii) Joe akatema muti mapazi ekumusoro nezuro.
iii) Anna akapira imbwa sadza kuseri sezvo aitya kuonekwa.
iv) Zvakanaka kurova vana ava maoko zvakanyanya.
v) Gusa ndebvu dzako dzose idzo iye zvino.
a) Nyurura zadzisandevo dzeratidzamuitirwi (object compliments) dziri
muzvirevo zviri pamusoro. (10)
b) Zvino chidoma mhandonyana (sub-types) yezadzisandevo imwe
neimwe yawanyora mu(a). (10) [20]

  1. Verenga ndima inotevera wozopindura mibvunzo iri shure kwayo.
    Murume akati nongei tsvimbo yake, payanu bhachi rake rakati tsvukuru
    kubva pachimuti ndokunanga kumba. Akasvika pakanyararwa ndokusvikoti
    kiyi kochono ndiye mahwekwe nomukadzi wake aingoti bidinu bidinu ari
    pasi asiya anzi mbiradzakondo nga nga nga nematsotsi. Tumuriwo twaive
    twanzi tanhau kubindu twaive twangoti cheneru twuri pasi.
    a) Nyurura nyaudzosingwi dzose dziri mundima iri pamusoro wozodzinyora pasi dziri muzvikwata zvadzo. (8)
    b) Uchishandisa nyaudzosingwi dzawawana mu(a), tsanangura kuti
    imwe neimwe yadzo inoumbwa sei. (12) [20]
  1. Verenga zvirevo zvinotevera wozopindura mibvunzo iri shure kwazvo.
    i) Ambuya vakachengeta muzukuru wavo kwemakore mana zvakanaka.
    ii) Ukamusekerera anokutengera dhirezi raunoda.
    iii) Revurura pamberi pevese vawakatadzira.
    iv) Munhu kana wambomunzwisisa haungamushore.
    v) Ukafamba nemusango unourayiwa nemabhinya.
    vi) Vanogaronetsana mazuva ese.
    vii) Murume akasvipira pasi doro raivava.
    viii) Gurukota rakaurayisa Ishe wedu muhondo yemaDzviti.
    a. Nyurura midzi yezviito yakarebeswa iri muzvirevo zviri pamusoro,
    wogoinyora uchipatsanura midzi isina kurebeswa nerebeso dzacho
    (10)
    b. Tsanangura, uchitsigira nemienzaniso, shanduko inounzwa nerebeso dzakasiyana pamidzi nendevo dzezviito. (10) [20]

2005 – MHINDURO

Mashandisirwo ezviwedzerwa zvezvindori nemienzaniso inokodzera.

CHIWEDZERWA
CHECHINDORI
MASHANDISIRWOMIENZANISO
/ndi-/a) Nemazita emupanda 1a
b) Nemazita emupanda 2a
c) Nemazita emupanda 2b
d) Nezvisazitasingwi zvese
ndibaba, ndiGibson
ndivatete, ndiVaGapu
ndiamai, ndiatete
ndini, ndimo
/nda-/a) Nemazita emupanda 2a
b) Nemazita emupanda 2b
c) Nezviverengo zvemipanda 2,6 ne16
d) Nezvinan’anuri/ zvisarudzi zvemipanda 2,6
ne16
e) Nezviratidzi zvemipanda
2,6 ne16
ndavatete, ndaVaGapu
ndaamai, ndaatete
ndavamwe, ndaamwe,
ndapamwe
ndavaye, ndaaye,
ndapapi
ndaava, ndaaya,
ndaapa
/nde-, ndo-/a) Nezvidudziramazita
zvose kunze kwezvipauro
ndega/ndoga (chirevauwandu); ndeuno/
ndouno (chisarudzi) etc
/i-/a) Nemazita emipanda 5,9
ne10
b) Nezvipauro zvemipanda
5,9 ne10
igudo, imombe
iguru, ichena
/H-/ (Hwidzazwi)a) Nemazita emipanda
yose kunze kwe1a, 2a,
2b, 5, 9 ne10
b) Nezvimwe zviverengo kazhinji zvinotevera zvizita
simboti zvazvinotsanangura
mukomana 1, muti 3,
mapadza 6, chirume 7
etc
varume vamwe, benzi
rimwe
/ha-, he-, ho-/a) Nezviratidzi
b) Nezvinan’anuri/ zvisarudzi
hava, hecho, hoyo
havano, hezvino
Mark allocation 2 marks mashandisirwo echiwedzerwa, 2 marks mienzaniso x any 5 zviwedzerwa >>>>>>>>>>>>>>>>>>>>> [20]

4 a) Kunyurura zadzisandevo dzeratidzamuitirwi kubva muzvirevo uye
b) kudoma mhandonyana yezadzisandevo imwe neimwe yapiwa pa(a).

ZADZISANDEVO YEMUITIRWIMHANDONYANA YEZADZISANDEVO YEMUITIRWI
i) MarujataMuitirwi akazvimirira oga
>nzeveMuitirwi anenge ari chidimbu
chemuitirwi akazvimirira oga
>KurimahufambaMuitirwi akazvimirira oga
ii) mutiMuitirwi akazvimirira oga
>mapazi (ekumusoro)Muitirwi anenge ari chidimbu
chemuitirwi akazvimirira oga
iii) imbwaMuitirwi akazvimirira oga
>sadzaMuitirwi akazvimirira oga
iv) vana (ava)Muitirwi akazvimirira oga
>maokoMuitirwi anenge ari chidimbu
chemuitirwi akazvimirira oga
v) ndebvu (dzako dzose idzo)Muitirwi anenge ari chidimbu
chemuitirwi akazvimirira oga
Mark allocation 1 mark zadzisandevo, 1 mark mhando x 10 >>>> [20]

5 a) Kunyurura nyaudzosingwi kubva muchindima dziri muzvikwata
zvadzo uye

CHIKWATANYAUDZOSINGWI
i) Dzinobva muzviitonongei
ii) Dzepfumvunuro/ nhendeshurepayanu, kochono, tanhau
iii) Dzinobva kuzvipaurotsvukuru, cheneru
iv) Dzakadzokororwabidinu bidinu, nga nga nga
Mark allocation 1 mark chikwata, 1 mark nyaudzosingwi dzacho >> (8)

5 b) Kuratidza maumbirwo enyaudzosingwi imwe neimwe yapiwa pa(a)
i) Dzinobva muzviito: Mudzi wechiito + umbanyaudzosingwi skt
nong- + -ei
ii) Dzepfumvunuro: Nyaudzosingwi + umbanyaudzosingwi skt
payi- + -anu
koche + -ono
tanhe- + -au

iii) Dzinobva kuzvipauro: Dzitsi rechipauro + umbanyaudzosingwi skt
tsvuku- + -ru
chena- + -eru
iv) Dzakadzokororwa: a) Nyaudzosingwi + nyaudzosingwi skt
bidinu + bidinu
b) Nyaudzosingwi + nyaudzosingwi + nyaudzosingwi skt
nga + nga + nga

Mark allocation 2 marks maumbirwo, 1 mark mienzaniso yese x 4 zvikwata >>>>>>>>>>>>>>>>>>>>>>>>>>>> (12) [20]

6a) Kunyurura midzi yezviito yakarebeswa kubva muzvirevo yakapatsanurwa midzi isina kurebeswa nerebeso dzacho.

MIDZI ISINA KUREBESWAREBESO DZACHO
i) -cheng--et
ii) -sek--erer-
>-teng--er
iii) Rev--urur-
>-tadz--ir
iv) -nzw--isis
v) -uray--iw
vi) -nets--an
vii) -svip--ir
viii) -uray--is
Mark allocation ½ mark mudzi usina rebeso, ½ mark rebeso yacho (10)

6b) Shanduko inounzwa nerebeso dzakasiyana pamidzi nendevo dzezviito nemienzaniso inotsigira.

i) Rebeso dzezviito dzinorebesa midzi yezviito skt, -cheng- > -cheng-et- (rebeso yebatano

ii) Rebeso dzezviito dzinounza dudziro itsva pamudzi wechiito usina kurebeswa skt, -sek- (kuseka zvakafanira) > -sek-erer- (kuseka zvakapereredza); –
teng- (kubhadhara mari uchitora chimwe chinhu) > -teng-er- (kubhadhara
mari uchitora chinhu chokupa mumwe munhu)
iii) Dzimwe rebeso (seyekuitira neyekonzero) dzinowanza zadzisandevo mundevo dzezviito skt, -svip-ir- pasi, doro raivava (zadzisandevo mbiri)
iv) Dzimwe rebeso (seyekuitirana neyekuita pamwe) dzinodzikisa uwandu
hwezadzisandevo mundevo dzezviito skt, Mukomana -rov- musikana (zadzisandevo imwe chete) > Mukomana nemusikana -rov-an- (hapachina zadzisandevo)
v) Rebeso dzinoshandura urongwa hwemazwi mundevo dzezviito zvichiita
kuti muve netsigisandevo skt, Baba -tem- muti > Muti –tem-w- nababa
vi) Rebeso dzinosimbisa ukama pakati pemudzi wechiito nezadzisandevo sezvinoita rebeso yepfumvunuro skt, -pet- mudhebhe > -pet-enur- mudhebhe

Mark allocation 1 mark shanduko,1 mark muenzaniso weshanduko yacho x any shanduko 5 >>>>>>>>>>>>>>>> (10) [20]