Find Content

Tsumo

Tsumo dzechishona – ALPHABETIC ORDER

1. Abereka otochena moyo

2. Afamba apota

3. Afirwa haaringwi kumeso

4. Aguta haaoneki

5. Aita chake ndihombarume

6. Aiva madziva ave mazambuko

7. Akabata sando anongoona chese-chese sechipikiri

8. Akanga nyimo awangarara

9. Akoromoka awa

10. Akuti rima ati ugute

11. Akumhina afamba hazvienzani naTigere

12. Akuruma nzeve ndewako

13. Akwewa sanzu akwewa namashizha aro

14. Ane bedzi ndeane rake kudzana anopururudza

15. Ane ganda ane nyama hazvienzane nowakabata hohwa

16. Ane marengenya haacharike moto

17. Ane mhuri kwayo ndeane ndume ane mhurikadzi vaeni

18. Ane mombe yake anoziva makumire ayo

19. Anokutukira badza unokupa upfumi

20. Apunyaira haashayi misodzi

21. Ashamba haanokorerwi

22. Atandavara aguta, apfunya ndiye avata nayo

23. Ateya mariva murutsva haachatyi kusviba magaro

24. Atswinya arwa

25. Avengwa anhuhwa

26. Baba muredzi mwana kuchema anodaidza mai

27. Badza guru ipa murimi, kuripa simbe inovata naro

28. Basa mangwanani

29. Benzi bvunza rakanaka

30. Benzi raramba mbanda harirapiki

31. Benzi rikasaimba manjemanje richamhanya bani

32. Bere zvarakatya mapapata aro mangani

33. Bhuru rasarira shure rasarira shamhu

34. Chada mwoyo hachikoni, mwoyo chiremba

35. Chafamba chasvava

36. Chafamba kamwe hachiteivi

37. Chaikanya chototsa, chaitotsa chokanyawo

38. Chaitemura chava kuseva

39. Chakabaya chikachokera

40. Chakadya chakaoneka, mutanda wakasiya mbare

41. Chakaenzanwa ibvudzi upfumi hahuna kuenzanwa

42. Chakafukidza dzimba matenga

43. Chakanaka chakanaka mukaka haurungwi (munyu)

44. Chakatairi pasi ndechevanhu vose asi chiri mumuti ndechowagona kukwira

45. Chakatanga ndochakachenjedza

46. Chako ndechako kuseva unosiya muto

47. Chapadare chakakandwa parurimi rwavapfuuri, chomumba chiri mumhepo

48. Chapinda munzeve chavaridza bonde

49. Chara chimwe hachitswanyi inda

50. Charova sei chando chakwidza hamba mumuti

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *