Find Content

Tsumo

251. Kwadzinorohwa matumbu ndiko kwadzinomhanyira

252. Kwamairidigikira ndiko kwomoringa benya, kwamairinga benya ndiko kwomoridigikira

253. Kwave kusakara kwedowo serisakadyiwa nyama

254. Machongwe maviri haakukuridze pamutanda mumwe

255. Made echakata kutsvukira mumuti kuti ndiposherwe

256. Made etsvimborume okudya yakawaridza

257. Mai musuva usingasevi muto

258. Makata anoshura materu

259. Makunguo zvaakatya akafa mangani

260. Makunun’unu maodza nyemba

261. Manakira kure mvura yemubvumbi

262. Manatsa mukanwa ndonda kurota ichiyamwa

263. Manenji kuona kamba ichitamba nembudzi

264. Mangachena inoparira parere nhema

265. Manomano emuroyi kunyepera kutya dzvinyu akasungirira nyoka muchiuno

266. Manyengedza pfungwa efodya kuzadza dama nehutsi husingasviki kuguru

267. Manzwi induru inouraya

268. Mapudzi anovira kusina hari

269. Mari ine chitema

270. Matakadya kare haanyaradzi mwana

271. Matanda makuru mazunguniswa

272. Matende mashava anovazva doro

273. Matukirwo ababa kunema mwana

274. Matsotsi haagerani

275. Mazvake-mazvake kudya kwembada

276. Mazvokuda kufa namaronda enyora

277. Mbavha imbatwa, mbavha-rutsoka ishamwari

278. Mboko chena yakaparira parere mhema

279. Mbiri matende inoputsika

280. Mbudzi kudya mufenje kufananyina

281. Mbudzi yazvarira pavanhu yati nditandirwe’mbwa

282. Mharadzano dzakabva munzira

283. Mhembwe rudzi kuzvara mwana ane kazhumu

284. Mhondoro kurura inotanga wayo

285. Mhosva haiori

286. Mhosva inorondwa hakuna mhosva yakaita honye

287. Mhuno hainwi mvura muromo usina kunwa

288. Minwe misiyanwa

289. Miromo yavakuru haiviri pasi

290. Miti inomera pamwepo hairegi kukwizana kana kune mhepo

291. Mombe yekukumbira ndeyekukama wakaringe nzira

292. Mombe yenjeni kutokama wakasungira

293. Moyo chena unobayisa

294. Moyo muti unomera paunoda

295. Mucheri wegurwe mutevedzeri, mudimbidziri anorasa mwena

296. Muchero wegudo unodyirwa kupedza

297. Mudzimu vakupa ronda vati nhunzi dzikudye

298. Mudzimu waro bonga kuwana huku dzichirwa

299. Muenzi haapedzi dura

300. Mugoni wepwere ndeasinayo

301. Mugoti unopiwa anyerere

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *