Find Content

Mapindurirwo eNzwisiso

Mapindurirwo eNzwisiso

Nzwisiso inobvunza pamusoro pendima inenge yapiwa uye mibvunzo yenzwisiso inosanganisira mibvunzo inoda mhinduro iri mundima sokuti..Zita romunyori raiva ani?

Koita mibvunzo inoda kuti utsanangure zvidimbu zvemitsara kana zvirevo zviri mundima zvakasiyana siyana uchibuditsa pachena kuti zvinorevei SEKUSHANDISWA KWAZVINENGE ZVAKAITWA MUNDIMA.

Koita mibvunzo indoda kuti upe mazwi arimundima anoenderana neanenge akadomwa.

Koita zvekare mibvunzo Inoda mhinduro dzisiri munyaya sokuti..Ipa nyaya iyi musoro wakakodzera.

Zvakakosha panzwisiso

  • Kuverenga nyaya uchiinzwisisa.
  • Kupindura mibvunzo nenguva yakatarwa.
  • Pindura mibvunzo iri munyaya yawapiwa kunyangwe ndima yauya wakamboiverenga kupi nekupi.
  • Ipa mhinduro pfupi uchinanga zvinodiwa
  • Usakanganwa kunhamba mhinduro dzako.
  • Pindura mibvunzo yako sekurongwa kwayakaitwa.

By: T.Titus Nyakudyara
Twitter: @NyakudyaraTitus

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *