Find Content

Misambo Yekutaura – Bumbiro idzva redzidzo (new curriculum)

Misambo Yekutaura

  • Tsika dzeChiShona dzinoti vanhu vanofanira kushandisa mutauro unoenderana neukama hwavo nemazera avo.
  • Mutsika dzedu isu VaShona, tine matauriro atinoita kuvanhu vakasiyana .
  • Hatingoti chero matauriro ataita kumapoka akasiyana evanhu, zvese nenzvimbo yatinenge tiri.
  • Tinofanira kuziva misambo yose iyi kana tainzwa ichitaurwa.
  • Tinofanira kugona kudoma misambo iyi kana tainzwa ichitaurwa.
  • ChiShona chinoti munhu anofanira kushandisa musambo unotarisirwa panguva dzose zvichienderana nokuti waanenge achitaura naye anomuudza chii.
  • Musambo wega wega unofanira kuenderana nemazera evanhu, zviiitiko uye nenzvimbo dzavanenge vari.
  • Izvi zvinotsigirwawo nepfungwa yaVaHodza yekuti:

Chinodikanwa kunyanya ndechokuti, panodikanwa kuti munhu azive nzira dzekutaura
nadzo kuvanhu dzine rukudzo, uye dzinoteverana nezvirongwa zvetsika dzavo, tsika
dzinoti munhu azvirereke kana achitaura kuna amai vake, vambuya kana vatezvara,
ambuya vatete kana vasekuru, sekuru kumuzukuru, kana iyewo muzukuru kuna sekuru,
mukoma kumunin’ina, iyewo munin’ina kumukoma, hanzvadzikomana kuhanzvadzisikana,
iyowo hanzvadzisikana kuhanzvadzikomana, shamwari kune shamwari, sahwira kuna
sahwira, vatezvara kuvaroora vavo, ivowo varoora kuna vatezvara navamwene vavo,
vakwasha kuna vatezvara navambuya vavo, ivowo vatezvara navambuya kuvakwasha
vavo.

Misambo yokutaura muChiShona ingaiswa mumapoka anoti Chisekedzani, Chinyarikani, Chitorwa, Chisahwira, Chizukuru, Chiramu, Chishamwari, Musambo wekuudza, Misanganiswa yemisambo, Musambo wekubata maoko, Musambo wemhiramudzimu, Musambo wekukumbira, Musambo wepadare, Musambo wemudare reparamende, Musambo wemuhondo, Musambo wakakodzera, Musambo wepanhimbe, Musambo weparunhare, Musambo wechivhevhano, Musambo wekusuma doro panhimbe, Musambo wechidhorobha, Musambo wechizvinozvino, Chibhende neChiroora.

1. Chisekedzani

Uyu musambo wekutaura unowanikwa wakasununguka chose. Unowanikwa pakati pavanhu vakaita seshamwari neshamwari, vanhu vanogona kutamba chiramu savanababamukuru namainini, ambuya kana sekuru nemuzukuru wavo kana pakati pemadzisahwira, sezvicharatidzwa kumberi. Pane mhandonyana dzinoti chisahwira, chishamwari, nechiramu. Mhandonyana idzi dzichataurwa muzvikamu zvinotevera.

2. Chisahwira

Uyu musambo nemaitiro unowanikwa pakati pemadzisahwira . Madzisahwira vanhu vakasunungukirana chose pamagariro avo. Uhwu hukama hwekuitirana zvakafanana nokuti vese vanoedzana vanasahwira. Usahwira hwunonyanyoonekwa pakuvigirana vafi patsika dzeChiShona. Kazhinji kacho ushamwari pakati pevanhu ndihwo hwunozokura hwoshanduka hwova usahwira zvichibva nemwero weushamwari hwacho. Ushamwari pakati pavanatateguru vemadzinza maviri ndihwo hunozova usahwira hwevana vemadzinza aya. Musiyano unovapo pakuti munhu anogona kuva neshamwari yake ari ega asi haagoni kuva nasahwira wake ega. Usahwira hunowanikwa pakati pemhuri mbiri. Masahwira anotarisirwa kubatsirana panguva dzose dzingadiwa rubatsiro nomumwe. Izvi ndizvo zvinoita kuti pave nemutauro wekuti usahwira hunokunda ukama. Munhu anotarisira kuti kana akaenda kundochema nhamo yake kuna sahwira wake haadzoki asina chinhu. Sahwira ane zvaakanakira. Sahwira akanakira kuti anotarisirwa kuviga sahwira wake, kunyangwe pane zvimwe zvinenge zvakakanganisika paukama hwavo, hazvizombomutadzisa kupinda nasahwira wake muguva. Sahwira aizodonongodza nhunha dzake musi wokurova guva, hama dzasahwira wake dzichinzwa. Parufu sahwira anogona kutevedzera zvaiitwa nemufi kuitira kuti rufu rwusaremera vafirwa.


Usahwira hune divi rahwakaipira rekuti sahwira anotaura mashoko ose anosanganisira anodzimba moyo, asi hapana chinogona kuitwa nasahwira anenge achiudzwa magaramoyo nekuti iyi ndiyo tsika yemagamuchidzanwa. Tinoona kutukana kweusahwira nepaviri. Pane chinonzi chituketuke icho chinoitwa nasahwira achitaura zvaanenge achiziva kuti sahwira wakehaana kana kuti haazviiti. Vanhu vanenge vachinzwa vanenge vachitozivawo kuti uku kungotaurawo chete. Sahwira anogona kunyomba sahwira wake achimuti inyope yemakoko asi vanonzwa vachinyatsoziva kuti ari ari kutaurwa nezvake ihurudza chaiyo. Mhando yechipiri yekutukana uku inoitwa apo sahwira anonyatsotaura chokwadi pamusoro pasahwira wake. Dzimwe dzenguva hama dzasahwira dzinogona kukwenyera sahwira kuti afumure zvakaipa zvinenge zvichiitwa nehama yavo zvakafanana nekuva nemishonga yekutorera vamwe zvirimwa mumunda, divisi, mubobobo kana uroyi. Sahwira anogona zvakare kufarisa zvakapindiridza otaura zvinonyadza pamusoro pasahwira wake vanyarikani vanyakutukwa varipo. Sahwira anogona zvakare kutora hari dzedoro kana kubata mbudzi kana huku otogocha neshamwari dzake. Izvi hazvifaniri kugumburisa sahwira vaitirwa izvi nokuti ndiwo maitiro amadzisahwira. Usahwira ukama hwakasununguka saka vanotaura vachishandisa mutauro wekusaremekedzana sechisazitasingwi iwe.

3. Chizukuru

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *