Find Content

MISAMBO YEKUTAURA

Misambo Yekutaura Chii?

Misambo yekutaura matauriro akakodzera pakati pemutauri nevateereri vake. Chiitiko chimwe nechimwe chine matauriro akakodzera anofanirwa kuitwa pachiri. Kana takatadza kushandisa musambo wakakodzera kutura mashoko edu, pfungwa dzatinenge tichida kuti dzisvike pamusoro pechiitiko ichocho dzinokanganisika. Saka budiriro yemusambo inouya kana takagona;

  • Kucherechedza vanhu vatiri kuda kushandisira musambo watasarudza panguva iyoyo. Tinofanirwa kuziva kuti vanhu vatiri kutaura navo ndivanaani. Dzimwe nguva patinotadza kutaura zvakanaka nevanhu vanotarisira kuti titaure navo nemisambo inoumba ukama hwatinahwo navo unonzwa votibvunza kuti, ‘Uri kuziva here munhu wauri kutaura naye?’ Mubvunzo uyu unotaura kuti tinenge tichishandisa musambo usiri iwo kuvanhu vasiri ivo vanofanirwa kushandisirwa musambo iwoyo.
  • Kucherechedza nzvimbo yatiri kushandisira musambo watasarudza. Zvakakoshawo kuti tizive nzvimbo yatiri kuti tigone kuita sarudzo yemusambo wakakodzera. Kana tiri pamusha patezvara tinofanirwa kuziva kuti musambo wakakodzera wokushandisa nguva zhinji ndewechinyarikani kunze kwokunge mava panzvimbo yenyu sevaramu.
  • Kushandisa mazwi anopindirana nemusambo watiri kushandisa. Wakashandisa mazwi emusambo wechisekedzani chechisahwira kuna tezvara kunyangwe wagadzirisa uso kana kutaura zvakanaka zvinengei, munoburana nekuti mazwi anoshanda mumisambo iyi akatosiyana zvachose. Tezvara vanobva vaona sokuti vashorwa nemukuwasha. Panotogona kuzoita nyaya yekuripa tezvara ivavo kuti zvinake.
  • Kushandisa izwi rinokodzera kuburitsa musambo wedu zvakanaka kumuteereri. Musikana kana achitaura nemukomana waanodanana naye kana waanoda zvinogona kubudiswa nezwi rake kumumwe wake. Izwi rinogadziriswa kuti ritapire kuteerera riine kuyemedzeka mukati kunowanikwa muchivhevhano. Kana munhu atsamwa, tinonzwa nezwi rake kuti matauriro acho ave emunhu atsamwa
  • Kushandisa muviri wedu zvakakodzera patinenge tichitaura kuti zvatinotaura zvipindirane nekutaridzika kwouso kana miviri yedu. Kana chiri chinyarikani hachingabudirire kana ndakataura ndichiratidza kuti ndiri kuda kuseka. Kana zvadai chinyarikani chinopera vanhu vabatana pahuro.
  • Kupfeka zvipfeko zvakakodzera. Zvipfeko zvakakodzera zvinoita kuti musambo unyatsozadziswa. Musambo wechinyarikani haunyatsobudirira kana takada kuushandisa tisina kupfeka zvakakodzera. Kana chiri chinyarikani chechiroora, muroora ane mapfekero okuti vanhu vakamuona vanobva vaziva kuti uyu muroora nemapfekero ake.

Cherechedzo yezviga izvi inoita kuti tigone kubudirira mumusambo watinenge tichishandisa. Saka zvakakosha kuti tizive zviga izvi zvakanangana nemisambo yose ichakurukurwa pazasi.

Mhando Dzemisambo Yekutaura

Misambo yekutaura yatinoshandisa mumutauro wedu yakawanda zvikuru. Chikamu chino chichazama kubata misambo yakawanda kuti tizive mhando dzakasiyana-siyana dzemisambo yekutaura iyi. Misambo yekutaura iyi inogona kuonekwa iri muzvikwata zvikuru zvinoti;

1) musambo wekusekedzana,
2) musambo wekunyarana,
3) musambo wekugunun’una,
4) musambo wekupopota,
5) musambo wekuganza,
6) musambo wekudemba,
7) musambo wekukumbira,
8) musambo wekushorana,
9) musambo wekubata maoko,
10) musambo wepadare,
11) musambo wekukakavadzana,
12) musambo wekutuma,
13) musambo wepabasa,
14) musambo wekunamata.

Tine misambo miviri mikuru inoti, wekusekedzana nemusambo wekunyarana ine mhandonyana dzinotevera;

Musambo wekusekedzanaMusambo wekunyarana
Musambo wekusekedzana pachishamwariMusambo wekunyarana pavana
Musambo wekusekedzana pachisahwiraMusambo wekunyarana pavana nevabereki.
Musambo wekusekedzana pachiramuMusambo wekunyarana pachinamato
Musambo wekusekedzana pachizukuruMusambo wekunyarana pachikuwasha
nevakarabwa
Musambo wekusekedzana pachipwereMusambo wekunyarana pachitorwa
Musambo wekusekedzana pachivhevhanoMusambo wekunyarana pachikurungai
Musambo wekunyarana pachiroora

Mhandonyana dzemisambo idzi dzinosiyanisa hudzamu hwekusekedzana kana hudzamu hwekunyarana zvichibva nekuti ndavanaani vari kushandisa musambo iwoyo sokuti; musambo wekusekedzana pachiramu unosiyana pahudzamu nemusambo wekusekedzana pachisahwira kunyangwe misambo iyi iri yemhando imwe.


Hudzamu hwekusekedzana hwakasiyana-siyana huri pakati pevanhu vane ukama hwekusekedzana uhu ndihwo hunoita kuti tive nemhandonyana idzi. Saka zvakakosha kuti tizive mhandonyana dzemisambo miviri iyi nemisambo mukuru iri kubva nemhandonyana imwe neimwe semapirwo adzichaitwa pazasi.

Musambo Wekusekedzana

Musambo wekusekedzana pachiShamwari

Uyu musambo wakareruka kune vanoushandisa Unowanzoshanda pakati peshamwari dzine ukama hwekusekedzana kwakasununguka pakati padzo. Kusekedzana kwavo kuri munyaya dzavanogona kutaura dzorudzi nerudzi pasina chinotyisa pakati pavo.

Kushandiswa kwemazwi mumusambo uyu kwakareruka. Shamwari mbiri idzi hadzinetseke zvakanyanya pasarudzo yemazwi nekuti chishamwari chinovabvumira kutaura zvavanoda. Vanogona zvavo kunemerana kana kutamba zvavo vachiita sovotukana kana kushorana pasina anorwadzwa nazvo pakati pavo.

Zvinonyadzisa kumimwe misambo hazvinyadzise kumusambo uyu nekuti vane ushamwari mukusekedzana hunovatendera kutaura zvakasununguka. Hapana chinorema mumusambo uyu. Tinogona kana kutarisa shamwari dzedu mumaziso kana kubatana maoko kana mapindikiti tichifamba tichitaura nyaya. Tinogona kuuya pedyo pedyo neshamwari dzedu tichitaurirana munzeve nekurovana maoko. Mumusambo uyu vanhu vanopfeka zvavanoda paushamwari hwavo

Musambo wekusekedzana pachisahwira

Musambo uyu unobva paukama hweusahwira hunosunganidzwa nenyaya yekuvigana kwemhuri mbiri. Mhuri inoviga vokwenyu kana kwaita rufu imhuri yemadzisahwira enyu. Kana kwavo kwaitawo rufu munokokwa mopiwa zvirango zvousahwira nokuviga mufi. Musambo wavo unovabvumira kutaura kana zvinyadzi kana kutuka madzisahwira avo vachirova bembera pane zvinenge zviripo zvechokwadi. Vanogona kutotaura vachituka munhu anenge achikonzera matambudziko mumhuri vachitaura mabasa ake pazere vanhu vachitamba usahwira hwavo. Hapana anotsamwira sahwira zvokuzotadza kutaura naye zvakare nekuti ndizvo zvinoumba musambouyu.


Sahwira anotenderwa kana kubata huku mumusha pasina anotsamwiswa nazvo nekuti ishamwari yedzinza rose. Anopiwa nyama yemombe inenge yaurairwa zvirango mumusha. Panosiiwa hunda yasahwira iyo yaanotakura kumusha kwake. Hapana anofanirwa kugunguzika nekuti kana zvava kwenyu zvirango zvousahwira munoitawo zvamunoda. Madzisahwira anopfeka zvaanoda. Hapana chinoremera sahwira pazvipfeko. Kana pari parufu pehama yenyu yaive pfambi, sahwira anogona kuuya akapfeka mapfekero aiita sahwira wake mufi. Anogona kuridza mumhanzi otanga kutamba zvokuti kana pane vanyarikani vanotarisa pasi. Vanhu vanozoguma vave kunakidzwa nazvo vombokanganwa nhamo inenge iripo. Hapana munhu anogona kurambidza sahwira kuita zvaanoda.

Musambo wekusekedzana pachiramu

Musambo wekusekedzana paChiramu unoshandiswa navanamainini navababamukuru kana vanababamunini navanamaiguru vavo.

Mumusambo uyu munotaurwa zvakasununguka varamu vachifara. Vanogona kutaura vachinemerana zvavo kana kutamba vanababamukuru vachishevedzana navanamainini sovadiwa vavo kana vanamaiguruwo vachidana vanababamunini sevarume vavo. Nyaya dzokutadza kubika kana dzokutadza kusarudza vasikana kwavanababamunini kana kunonoka kuroora kwavanababamunini kana dzokutadza kuita zvakanaka dzinotaurwa pasina chinogumbura. Chokwadi ichi chinotaurwa mukusekedzana uku varamu vachidzidzisana. Hadzisi nyaya dzinotsamwisa nekuti pane kusekedzana kunovatendera kusvika padanho iroro.
Vanotenderwawo zvavo kubatana kana maoko asi paine cherechedzo yekuita kusingazokanganisa muridzi wemukadzi kana muridzi wemurume. Zvinopfekwa zvinofanirwawo kuve kucherechedza kuti vanenge vachitambwa navo chisekedzani ichi varume kana kuti vakadzi vevanhu.

Musambo wekusekedzana pachizukuru

Musambo uyu unoshandiswa pakati pemadzimbuya vanasekuru nevazukuru vavo.
Vanatetewo vanosekedzana pachizukuru nevana vehanzvadzi dzavo.
Kusekedzana kwemhando iyi kwakarerukira kuti kune donzvo rekuraira vazukuru
kuti vagone kuzoita hupenyu hwakanaka vaine hunhu husingazoshoresa vanatete
naivo vanasekuru navanaambuya. Mumusambo uyu, vazukuru vakasununguka
kutaura zvavanoda kumadzimbuya avo ivowo vachitaurawo navo vazukuru
vachitamba zvavo navo. Panogona kushoranwa kana kusekanwa asi donzvo riri
rokudzidzisa vazukuru hupenyu. Vazukuru vanofanirwa kuyeuka kuti vanogona
kushandisa musambo uyu une kusekedzana zvawo asi vasingakanganwe kuti
vavanotamba navo musambo uyu vanhu vakuru kwavari vanodawo
kuremekedzwa.

Musambo uyu unotendera kupfeka zvakasununguka asi zvinotaridza kuti vazukuru vane zvavari kudzidza zvounhu hwakanaka kumadzisekuru nemadzimbuya avo.

Musambo wekusekedzana pachipwere

Uyu musambo unoshandiswa nevana vadiki pakati pavo kana pakati pevadiki
nevakuru. Kana vadiki vatinetsa tinovashandisira musambo uyu kuti vanyarare. Umu munowanikwa kurezva kana kunyengedzwa kwepwere dzatinonyaradza nezviwitsi zvisipo zvakatodyiwa kare. Idzo pwere pachezvadzo dzakasununguka kutaura zvadzinoda asi kunetsana hakusi kwenhamo nekuti zvido zvadzo zvinongoshanduka-shanduka zvichienderana nenguva.

Musambo wekusekedzana pachivhevhano

Musambo uyu unowanzoshanda panyaya dzorudo. Patinotaurirana zvokudanana nevadiwa vedu panoshanda musambo uyu. Panoshandiswa musambo uyu pane ushamwari hwakakomba chose kana kuti panenge paine hurongwa hwoukama hwakadaro. Kana pakaita rudo pakati pomukomana nemusikana unovaona nematauriro avo nekufadzana dzimwe dzenguva nemanyepo. Unogona kunzwa vachikwidzana ndege dzemashanga zvichinzi, ‘Ukandida ndichakutora ndoenda newe kunyika iri kure tonogara ikoko tichifara zvedu.’ Kana riri izwi rinopfaviswa muchisekedzani chechivhevhano mazwi achinyatsosarudzwa anotapira anoita kuti masaisai erudo afambe pakati pevari mumusambo uyu. Maitiro avo azere nekuyemerana, kuita sekunge pane kakunyara-nyara. Vanogona kufamba vakabatana zvavo maoko mapindikiti kana kufamba vakabatana muzviuno. Ava vanogona kutarisana zvavo mumaziso kana kunyemwererana zvechivhevhano.

Panoitwa sarudzo yezvipfeko inonyatsogara munhu zvokuti anobva anokwanisa kutora mwoyo yevaangade chivhevhano navo. Haungopfeke zvose zvose nekuti vaunenge wakatarisira kuti vatosvorwe mwoyo newe vanogona kusazokutarisa nekuti unenge usingatore mwoyo.

Musambo Wekunyarana

Musambo wekunyarana pavana

Musambo uyu unowanikwa pakati pevana voga sehanzvadzi nehanzvadzi kana pakati pemukoma nemunin’ina. Kunyarana kwavo kwakareruka zvokuti kunonovatendera kufara vachitaura vose. Kana vari vakomana voga kana vasikana voga vanogona kurerukirwa zvakanyanya asi paine cherechedzo yekuti vana vemhuri imwe asi umwe ari mukuru. Kana vava hanzvadzi nehanzvadzi pane kunyarana kwakareruka zvishoma pane kwemukoma nemunin’ina. Musambo umwechete unoshanda asi une udzamu hunosiyana nekuti vana vapi vari kushandisa musambo uyu.


Maitiro avo nemiviri yavo anofanirwawo kucherechedza chinyarikani chiri pakati pavo. Mapfekero evanhu ava mumusambo uyu akareruka asi anofanirwa kuve akatsiga vinopindirana netsika nemagariro epamusha.

Musambo wekunyarana pavana nevabereki

Kana takangotaura sematauriro atinoita neshamwari dzedu nevabereki vedu panova nekusawirirana. Musambo unoshanda pakati pevana nevabereki une ruremekedzo rwakadzama kukunda rwematauriro evabereki kuvana vavo. Mapfekero evanhu ava anofanirwa kucherechedza kuremekedzana nekunyarana uku. Vana vanofanirwa kupfeka zvakatsiga pane vabereki vavo zvisingavakanganise meso. Zvipfeko zvinongwerevera nezvinosiya miviri pachena hazvikodzere pane vabereki. Vaberekiwo havatarisirwe kupfeka zvisina kukodzera pane vana vavo.

Musambo wekunyarana pachinamato

Uyu musambo wekunyarana watinoshandisa muzvinamato zvedu zvakasiyanasiyana. Muzvinamato muzere vatorwa avo vanofanirwa kuve nekunyarana kwakasangana nekukudzana pakati pevanamati kuti chinamato chigone kubudirira. Munamati anofanirwa kunyara vamwe vanamati kuti pasave nezvinokanganisa chinamato. Kana pakasava nekunyarana pakati pevanamati, kutevedza zvitendo zvechinamati kunonetsa nekuti vanhu vanenge vasina chinovamisa kuita zvavanoda izvo zvinozokanganisa chinamato.


Chinamato chine mapfekero anotarisirwa kuti kunyarana kurambe kuripo. Vanhu vanofanirwa kupfeka zvinoita kuti pakati pavo parambe paine ruremekedzo rwemitemo inosunga chinamato. Mune zvimwe zvinamato vanhu vanofanirwa kugara vakapfeka zvirefu zvinovhara miviri yavo kuti vanhu vasaone zvinozovakanganisa chinamato chavo. Kana kuri kugara pagungano rechinamato vamwe vanamati vanogara vakapatsurana vakadzi kwavo varume kwavo kusimbaradza musambo wekunyana pachinamato.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *