Chidudzirachiito Izwi rinotsanangura chiito sokuti anodya senguruve. Zvidudzirachiito zvinopindura mibvunzo yakasiyana siyana sokuti chaitwa sei? chaitwa nani? chaitwa zvakadii? chaitwa riini? Chaitwa kupi? Mhando dzeChidudzirachiito Chidudzirachiito chefanano: izwi rinoratidza kufanana pakuita chinhu eg, Rudo anofamba samai vake.Chidudzirachiito chenguva: Izwi rinoratidza nguva yakaitika chinhu sokuti: akaenda kuHarare nezuroChidudzira chiito cheudzamu: Chinoratidza udzamu hwechinhu sokuti: mvura yanaya zvikuru.Chidudzirachiito chemaitiro: Chinoratidza kuti chinhu chakaitwa sei sokuti: Akarohwa zvisingaite.Chidudzirachiito chewadzano: Chinoreva kuva pamwe kwezvinhu zvakasiyana pakuita chinhu zvichireva mushandira pamwe eg: vakomana vakatsvaira nevasikana.Chidudzirachiito chenzvimbo: Chinoratidza nzvimbo yakaitika zvakaitika eg: akatongerwa padare.Chidudzirachiito chechombo: Chinoreva chombo kana chinhu chakashandiswa pakuita zvakaitwa sokuti: akarohwa netsvimbo.Chidudzirachiito chemuiti: Chinoreva munhu akaita chinhu sokuti:Asungwa nemapurisa. Zviratidzanguva Mavara anoratidza nguva dzakasiyana siyana eg past tense, present tense, past participle. Mhando dzezviratidzanguva Chiratidzanguva chezvakaitika kare: chinoshandisa chivakazwi -ka-Chiratidzanguva chezvinogaroitika: Chinoshandisa chivakazwi -no-Chiratidzanguva chezvichaitika: Chinoshandisa chivakazwi -cha- eg achauya mangwana.Chiratidzanguva chezvaigaroitka: Chinoshandisa chivakazwi -i-Chiratidzanguva chezvabvamukuitika: Chinoshandisa chivakazwi -a- By: T.Titus NyakudyaraTwitter: @NyakudyaraTitus Download PDFs Related posts: Zvidudziramazita Kuzengurira izwi romukuru kuramba mhangwa Mazita: Mupanda