Tsumo

101. Chirema ndechina mazano chinotamba chakazendama kumadziro

102. Chirere mangwana chigozokurerawo

103. Chiri mumoyo chiri muninga unofa nacho

104. Chiri mumusakasaka chinozvinzwira

105. Chiri pamuchena chiri pamutenure

106. Chiri pamumwe chiri padanda

107. Chiripo chariuraya zizi harifi nemhepo

108. Chiripo chiripo ndarira imwe hairiri

109. Chirungurira chirwere ukanyara unofa nacho

110. Chirungurira ndechowadya maradzwa chowerinopisa isvoto

111. Chisi chako hachibatsiri unodya wakaringa kumusuwo

112. Chisi chako masimba mashoma

113. Chisi chako pembera wadya

114. Chisi chako rembedza maoko, rega kukungira hata

115. Chisi hachieri musi vacharimwa

116. Chisingaperi chinoshura

117. Chitaurirwa mbare dzekumusana

118. Chitende chinorema ndechine mhodzi

119. Chitsva chiri murutsoka

120. Chitsva chitsva munamba wejenachena

121. Chivendekete anoseka chimedure

122. Chomukuru anopa omene

123. Chomukuru hachikumbirwi

124. Chura kugara mumvura handi kunwa

125. Dai ndakaziva haitungamire

126. Dare harizondi munhu rinozonda mhosva

127. Dindingwe rinonaka richakweva rimwe kana iro rokwehwa roti mavara angu azare’vhu

128. Dzakatamba nepwete dzikareswa kudzorerwa

129. Dzavira mutswanda hadzichanetsi kunhonga

130. Dzvinyu kuzamba zuva huona bako

131. Fodya haina manenji semhamba

132. Fodya haina shura sedoro

133. Fungira mumoyo rwedo rembwa

134. Gapakapa ndere fodya remhudzi rinokura nokusakurirwa

135. Gangaidzwa mukwenyi mhezi yawavira mumoyo

136. Gangaidzwa vavigi kunhuhwa kwaakafa

137. Gombarume kudze soro kukudza dumbu wonge wave chana

138. Gona ana gona vakewo

139. Gona rehupfumi iziya

140. Gondo kuengerera raona zumbu

141. Gonzo mhini gara mumwena chakaipa chikuwaniremo

142. Gore jena chiregopenya ungazotorerwa ushe nedema

143. Gore haribvi pakabva rimwe

144. Gore musandu

145. Gudo guru peta muswe, vapwere vagokuremekedza

146. Gudo kuipa kuipa zvaro asi haridyi chakafa choga

147. Gunguo rakaramba kumirira museve rikapona nehwakumukwaku

148. Gunguo rinodya mbamba, rino muchero waro

149. Hakuna bura rinoswatanukira panze rabva muvhu rakakombama

150. Hakuna dziva risina chura

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *