Tsumo

401. Nhiyo kuenda kudzani huona mai

402. Nhonhongora kudya chayo kukumbirirei uchi kudondi

403. Nhumbu ibakwa rehuni inochengeta nyoka nemakonzo

404. Nhumbu mukadzi mukuru hairevi chayadya

405. Nhunzi haimhari pasina ronda

406. Njera yomusaririra ndiyo yeshiri

407. Nyadzi dzinokunda rufu

408. Nyakuravira ndiye anoziva kuti nyama yaibva

409. Nyamunatsi ndiye nyamutsigwa nebonda

410. Nyika mukanza, haina mukwambo

411. Nyoka huru haizvirumi

412. Nzanga inokura yerema yomuchenjeri inoparara

413. Nzanga seka dumba, dumba seka nzanga

414. Nzara ishuramweni

415. Nzira ine minzwa ndiyo ine ushe

416. Nzira masanga

417. Nzombe huru yakabva mukurerwa

418. Nzou hairemerwi nenyanga dzayo

419. Nzou mutupo pana vanhu paseri ava machikichori

420. Nzvengende rumbudzi rusisazivi mafuro

421. Onde kutsvuka kunze mukati rizere masvosve

422. Pabva zino rave vende

423. Pachapwa madziva miramba tichanyurura

424. Pafa munhu hapashaikwi muroyi

425. Pagara murimi pagara mupopoti

426. Pakukutu hapaurayi

427. Pane danga pane mombe pane hundi pagara hurudza

428. Pane machikichori miromo inovanda

429. Panoda mwoyo nzira haisviki

430. Panodya ishe varanda vanodyawo

431. Panomera muswe panonyeredza

432. Pasina nyimo makunguo aizodyei

433. Pfimbi yegudo, gare-gare yapfukunurwa

434. Pfini yenyoka kuruma chaisingadyi

435. Pfuma yenhaka inoparadza ukama

436. Pfupa jena rakabva munyama

437. Potsi haarwirwi anorwirwa ndiPiri

438. Rambakuudzwa akaonekwa nembonje pahuma

439. Raramo idivakamwe

440. Rega kutsindira mwena unobuda ishwa

441. Rega kuyera nyoka negavi iyo iripo

442. Regai dzive shiri mazai haana muto

443. Rima rinoshura chiedza

444. Rina manyanga hariputirwi mumushunje

445. Rinonyenga rinohwarara rinozosimudza musoro rawana

446. Rombe ngerichaenda rodzoka ndimambo

447. Rombe pakata hana mukaka ndowavaridzi

448. Rombe rinosekwa richaenda kana rodzoka, hedzo nhureture

449. Roro kutsvuka kunze mukati rizere masvosve

450. Rugare tange nhamo

451. Rukova rwizi kuyambuka unokwinya nguo

452. Rwizi rukuru madirano

453. Rwomuranda rwakoneswa norwashe, rwashe rwakoneswa nemvura kunaya

454. Samungemunge musvuvuganda dzvinyu risina mbava

455. Sango rinopa waneta

456. Shambakodzi yakarindwa haiviri

457. Shanje dzinodya muridzi

458. Shungu dzembwa dziri mumwoyo kuhukura ndiko kududza

459. Soko harivhikwi

460. Takabva neko kumhunga hakuna’pwa

461. Tambai nezvimwe, nhava yen’anga/yanyanduri haivhurwi/haibatwi

462. Tambe tambe vanoda varivo

463. Taramuka panotamba dera

464. Tenda muchero ugowisa

465. Tenda muchero wadya zvinogadza mwoyo

466. Tenda wakohwa zvemunda wezunde

467. Tichaona kunowira tswimbo nedohwe

468. Totenda dzanwa mombe dzaswera nebenzi

469. Totenda maruva tadya chakata

470. Totenda nyemba tanwira mvura

471. Totenda yabikwa imba yepwere

472. Totenda yavira tsambakodzi yedemhe

473. Tsapata rukukwe hazvienzani nokurara pasi

474. Tsenzi igara yadyiwa

475. Tsiru nzenzi manhenda waikama

476. Tsuro haipunyuki rutsva kaviri

477. Tsuro kotsa muromo

478. Tsvaru akadana tivu

479. Tsvimborume kutandara nemvana mwoyo uri kumhandara

480. Tswanda inorema yasvika

481. Twemudenhe tune ushorwi

482. Ubatebate hunourayisa

483. Uchenjere kudya nzungu zvese nemhutwa

484. Ugaro mwena kutevedza hunoguma

485. Ukadzinga tsuro mbiri imwe inopunyuka

486. Ukama hahusukwi nemvura hukabva

487. Ukama hunonhuhwa

488. Ukama igasva hunozadziswa nokudya

489. Ukama urimbo kudambura haubvi

490. Ukangosekerera hwiza mangwana dzinokudyira muriwo

491. Ukanzwa bofu richiti ndinokurova pane cherakatsika/ parakazendama

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *