Tsumo

492. Ukaravidza chembere nyama inofira musango

493. Ukuru hurema hahuvanzwi

494. Umambo hutambidzwana

495. Umba hwehosi husina marevere

496. Umhandara idambakamwe

497. Unaki hwemukadzi huri pamwana

498. Upenyu hwenungo irima

499. Upenyu imhindupindu

500. Upfumi idova hautani kupera

501. Ura mapako hunozvara mbava nemuroyi,

502. Urombo hune nherera kudya ikarutsa,

503. Urombo hwayo mhembwe kufa iri pamusungo

504. Urombo hwenherera kupakwa ichirutsa,

505. Urombo uroyi hauudzwi munhu

506. Urombo hwematede kunaiwa nemvura makurwe ari mumhatso

507. Usachenjedza n’anga kurapwa uchada

508. Usadzinganisa tsuro nemunyu muchanza

509. Usaguta ukasunda dura

510. Usakangira nyimo vane meno avo havo

511. Usakurumidza kumedza kutsenga uchada

512. Usakusha mbeu mvura yaenda

513. Usaona imbwa kunyenama ukati unokusekerera

514. Usapedzera tsvimbo kuna vanamakuwe idzo hanga dzichauya

515. Usapinza munwe mumwena unobuda wareba

516. Usaruka nhava sora ratsva

517. Usarume muromo wenzombe inopura zviyo

518. Usashore nyemba nedzinozvimbira

519. Usatamba nematope pasina mvura

520. Usatanda hwiza idzo tsuro dzichauya

521. Usatsvaga nhava muuswa iro sora ratsva

522. Usavaka danga pasina mombe

523. Usaverenga mbeva nemudune

524. Ushe hauzvitongi

525. Ushe hukokwa, hunotokokwa kune vamwe

526. Ushe hunonyanga dera

527. Ushe hunonyangira rema

528. Ushe husiirwana

529. Ushe idova hunoparara

530. Ushe imhute hunoparara zuva rabuda

531. Ushe madzoro hunoravanwa

532. Ushe muzhanje unokuva

533. Ushe vuranda

534. Usiku humwe hauodzi nyemba

535. Usiku igore

536. Uswa hwenyati dohuri mudumbu huri pamuromo inofa nahwo

537. Utsi hwenyama hautosvori

538. Utsva hworurimi hahuna marapiro

539. Uzivi wenzira huri mugumbo

540. Vadani ndivo vakani

541. Vagere pachavo vangonyinda

542. Vakachenjera havatsvairani mbeva

543. Vakadyara tsvina vachakohwa hundi muchamupupuri

544. Vakafa havana chavakaona

545. Vakafa vakazorora

546. Vakakavira mhepo vachacheka chamupupuri

547. Vakamboonana havashayane

548. Vana vembwa havasvinure musi mumwe chete

549. Vana vengwena havakuriri mudziva rimwe chete

550. Vari kuno vanoshura vanoviga nherera mhenyu vachisiya muzvari afa

551. Vari pachavo chikurikuri

552. Vari pachavo vanokwenyana

553. Varume ndivo vamwe kutsva kwendebvu vanodzimurana

554. Vataitururira matohwe nhasi ndivo votiseka maparapadzwa

555. Vaviri vaviri wechitatu muzvinaguhwa

556. Vayanani ndivo varwi

557. Vimba nechako chemwango chekukumbira hachina ndima

558. Wabereka sekera muchitende

559. Wadzvova aguta

560. Wafa wanaka

561. Waguta zvekupisa dura

562. Waita mbereko ada kusuka machira

563. Waita womutorwa kuti kumwe kwakaoma kumwe kunyoro

564. Wakagarika ngewakafa mupenyu pfumo riri mushure

565. Wakandicheka nerakagomara

566. Waniwa haichatyi kufamba mudova

567. Wanzi baba wada kamusha kake

568. Warara warara nemuromo wake

569. Watungamira haatori nzira

570. Wazarira bako mvura ichada kunaya

571. Wegudza ndowegudza kufuga gumbeze rinotsva

572. Wekwemurume ndewe kwemurume

573. Wenhamo haachatyi kufamba murima

574. Wenhamo haaneti

575. Yadeuka yadeuka mvura yemuguchu haiorerwi

576. Yatsika dope/musheche yanwa

577. Zano marairanwa

578. Zano ndega akasiya jira mumasese

579. Zano pangwa une rako

580. Zano vaviri

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *